2 Chronicles 17

Jehoshafati Mambo weJudha

1Jehoshafati mwanakomana wake akamutevera paumambo uye akazvisimbisa pakurwisana neIsraeri. 2Akaisa varwi mumaguta akakomberedzwa namasvingo eJudha aya akaisa mapoka avarwi muJudha nomumaguta eEfuremu akanga atapwa nababa vake Asa.

3Jehovha vaiva naJehoshafati nokuti pamazuva ake okutonga akafamba munzira dzaiteverwa nababa vake Dhavhidhi. Haana kubvunza kuna vana Bhaari. 4Asi akatsvaka Mwari wababa vake akatevera kurayira kwake akasatevera mabasa aIsraeri. 5Jehovha akasimbisa umambo hwaiva pasi pake; uye Judha yose yakauya nezvipo kuna Jehoshafati, saka akava nepfuma zhinji nokuremekedzwa kukuru. 6Mwoyo wake wakanga wakazvipira kunzira dzaJehovha uyezve akabvisa nzvimbo dzakakwirira namatanda aAshera kubva muJudha.

7Mugore rechitatu rokutonga kwake akatuma vakuru vavabati vake vaiti Bheni-Hairi, Obhadhia, Zekaria, Netaneri naMikaya kuti vandodzidzisa mumaguta eJudha. 8Pamwe chete navo paiva navamwe vaRevhi vaiti: Shemaya, Netania, Zebhadhia, Asaheri, Shemiramoti, Jehonatani, Adhoniya, Tobhiya naTobhi-Adhoniya, uye navaprista Erishama naJehoramu. 9Vakadzidzisa Judha yose vaine Bhuku roMurayiro waJehovha; vakatenderera kumaguta ose aJudha vakadzidzisa vanhu.

10Kutya Jehovha kwakawira madzimambo enyika dzakanga dzakapoteredza Judha, zvokuti havana kuda kurwa naJehoshafati. 11Vamwe vaFiristia vakavigira Jehoshafati zvipo nesirivha somutero, uye vaArabhu vakamuvigira mapoka amakwai aiti: zviuru zvinomwe namazana manomwe amakondobwe nezviuru zvinomwe namazana manomwe embudzi.

12Jehoshafati akazova nesimba guru kwazvo; akavaka nhare namaguta amatura muJudha; 13uye akaita mabasa mazhinji mumaguta eJudha. Aivawo navarwi vane ruzivo rwokurwa muJerusarema. 14Kunyoreswa kwavo nemhuri dzavo kwakanga kwakadai:

Kubva kuJudha, vatungamiri vamapoka avarwi chiuru:
Adhina mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana matatu;
15aitevera ndiJehohanani mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana maviri namakumi masere;
16aitevera ndiAmasia mwanakomana waZikiri, uyo akazvipira kushandira Jehovha, aina varwi zviuru mazana maviri.
17Kubva kuBhenjamini:
Eriadha murwi akanga akashinga, aiva murwi aiva navarwi zviuru mazana maviri vakanga vakabata uta nenhoo;
18aitevera ndiJehozabhadhi navarume zviuru zana namakumi masere vakagadzirira kurwa hondo.

19Ava ndivo varume vaibatira mambo, tisingaverengi avo vaakaisa mumaguta ane masvingo muJudha yose.
Copyright information for SnaBDSC